Accessibility links

Breaking News

ZESN Inokatyamadzwa Nemaitiro eZEC Pamavhoti aVaTsvangirai


Sangano re Zimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti kunyange hazvo zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvakada kufanana nezvavakaonawo, zvakaziviswa nemusi weChishanu, zviri kuratidza kuti ZEC yakasarudza kupa mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, zvibodzwa zvishoma, izvo zvinoita kuti vatadze kukunda mutungamiri weZANU-PF, VaRobert Mugabe, zvine mutsindo.

ZESN yakati VaTsvangirai vainge vawana 49.4 percent, paine mukana wekukanganisa unodzikisa kana kukwidza mavhoti ne 2.4 percent, ukuwo VaMugabe vakawana 41.8 percent, paine mukana wekukanganisa unodzikisa kana kukwidza mavhoti ne 2.6 percent.

ZESN inoti ZEC yakasarudza kupa VaMugabe zvibodzwa zvakati wandei, 1.4 percent zvakawedzerwa pane zvakabuda ne ZESN 41.8 percent, vakapa VaTsavangirai 0.5 percent zvakawedzerwa kubva pa 49.4 percent yakawanikwa neZESN.

Pamagwaro e ZESN, mutsauko uripo we margin of error pakati paVaMugabe naVaTsvangirai, ndewe 0.2 percent, izvo zvinoratidza pachena kuti VaTvsangirai vakabiridzirwa.

Dai ZEC yakaita basa rayo nemazvo, VaTsvangirai vaifanirwa kunge vakawana mavhoti anodarika 50 percent, izvo zvaibva zvaita kuti vagadzwe semutungamiri wenyika, pasina run off.

ZESN iri kurudzira hurumende kuti iremekedze mutemo, nekuita imwe sarudzo yemutungamiri wenyika mukati memazuva makumi maviri nerimwe, kubva paziviswa zvakabuda musarudzo iyi, sematsanangurirwo ari kuitwa mutemo wesarudzo ne ZEC, kunyange hazvo paine kupokana.

ZESN inoti zvakare kunyange hazvo ZEC yakafambisa basa zviri pachena pakuzivisa zvakabuda musarudzo svondo rapera, sangano iri riri kutsutsumwa zvikuru nenguva yakareba yakatorwa ne ZEC mukuburitsa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaNoel Kututwa ndivo sachigaro ve ZESN.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaKututwa, kuti tinzwe kuti vakaona sei mafambisiro akaitwa basa neZEC, pakuzivisa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Zvichakadaro, sachigaro weAfrican Union's executive, Va Jean Ping, neMuvhuro vakaita hurukuro muHarare nemutungamiri weZANU-PF, VaRobert Mugabe.

Vaviri ava vakakurukura nyaya yesarudzo yemutungamiri wenyika, iyo iri kukonzera kutaura kukuru munyika. VaPing vanonzi vanga vachida kunzwa kubva kuna VaMugabe kuti ichokwadi here kuti munyika mune mhirizhonga iri kukonzerwa nebato ravo.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezve kuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, varamba kutaura nezve nyaya iyi. Asi vane ruzivo nezvaitika vanoti nhumwa ye AU iyi yakurudzira VaMugabe kuti sarudzo ye run-off iitwe pasina mhirizhonga.

Mutori wenhau weStudio 7 Ntungamili Nkomo abata nyanzvi mune zvematongero enyika, VaRejoyce Ngwenya, kuti tinzve mafungiro avo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG