Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoburitsa Zviri Pamutemo Kuti VaTsvangirai Vakakunda VaMugabe


Zimbabwe Electoral Commission yaburitsa zviri pamutemo mashoko anoti mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika. ZEC inoti VaTsvangirai vakawana 47.9 percent, vakateverwa mushure nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, avo vakawana 43.2 percent.

ZEC inoti sezvo pasina akawana mavhoti anodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana, kana kuti kudarika 50 percent, sarudzo yemutungamiri wenyika inofanirwa kudzokororwa. MDC inoti haisi kutambira zvaburitswa neZEC, izvo yati zvinoratidza chikiribidi cheZanu PF.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro nemutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, kuti tinzwe pamire bato ravo.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinotiwo zvinonetsa kutambira zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, nenyaya yekuti ZEC yakatora mwedzi wose isina chabuda musarudzo.

Vamwe vanoti MDC ikapinda musarudzo iyi zvakare, inenge yazvikanda mukanwa mamupere, nekuti vanhu vakawanda vanogona kurasikirwa nehupenyu hwavo, sezvo Zanu-PF iri kushandisa mhirizhonga kuti ikunde musarudzo.

Asi vamwe vanoti MDC ikaregedza kupinda musarudzo iyi, inenge yazvirasisa, sezvo VaMugabe vanenge vototi mudzimu waro bonga kuona huku dzichirwa.

Mukuzeya nyaya iyi, mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu, abata National Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, pamwe naMuzvare Gladys Hlathswayo, Advocay Officer weCrisis in Zimbabwe Coalition, avo vanoti nemamiriro akaita zvinhu kuita sarudzo kupedzera hoko padehwe retsindi .

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG