Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vokanda Mapadza Avo Pasi


Vana chiremba vose vari kupedzisa zvidzidzo zvehunyanzvi pabasa ravo, uye vachishandira zvipatara zvehurumende, vawirirana kuramwa mabasa zvizere, zvichitevera kunyimwa kwavakaitwa motokari dzekufambisa kuenda kumabasa nehurumende.

Vamwe vana chiremba vakatanga kuramwa mabasa nemusi weMuvhuro svondo rapera, asi vamwe vavo vakambenge vasara vachipedzisa mamwe mabasa.

Gurukota rinoona nezvehutano VaDavid Parirenyatwa, vanonzi havasi kutsanangurira vana chiremba ava, zviri kuitika panyaya iyi.

Vana chiremba ava vakange vavimbiswa motokari sarudzo dzemuna Kurume dzisati dzaitwa, asi padzakauya , dzakabva dzapihwa vana chiremba vakuru nevamwe vashandi vemuzvipatara.

Izvi zviri kuitika panguva iyo vazhinji vari kurohwa nekukuvadzwa munyaya dzezvematongerwo enyika, vari kutsvaga rubatsiro muzvipatara.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nemunyori musangano re Hospital Doctors Association, Dr Simbarashe Ndonda, avo vanoti kunyange hazvo varikushushikana nedambudziko revarwere, ivo vari kudawo kuti hurumende igadzirise zviri kunetsa izvi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG