Accessibility links

Breaking News

MDC Inobatana Mudare reParamende


Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata che MDC, VaArthur Mutambara, vanoti zvikwata zvavo zvichashanda sebato rimwe chete muparamende, zviine mutungamiri mumwe chete mudare reHouse of Assembly. Izvi zvinoreva kuti MDC yava nenhengo zana nepfumbamwe mudare iri, izvo zvinoipa kuti ive bato guru muparamende.

Mashoko ekubatana kweMDC muparamende, abuda pamusangano waitwa naVaTsvangirai nemumwe wavo VaMutambara nevatori venhau neMuvhuro muJohannesburg kuSouth Africa.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaTsvangirai kuti tinzwe nezvinoreva kubatana kwavo muparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG