Accessibility links

Breaking News

Musoja Anobvutirwa Pfuti kuHeadlands paMhirizhonga


Vatsigiri veZanu PF vachibatsirwa nemauto anga akapakatira pfuti, varwisa vatsigiri veMDC mambakwedza mudunhu reHeadlands kuManicaland.

Zvinonzi vanhu vanga vachirwiswa ava, vazopedzisira vadzoserawo, pakatemanwa zvakaipisisa. Mukurwisana uku, vatsigiri veMDC vanonzi vabvutira mumwe musoja pfuti yaanga akapakatira yerudzi rweA-K 47, Serial Number ZA/40874. Pfuti iyi yatorwa nemapurisa epaHeadlands, avo vati ipfuti inoshandiswa kubazi rezvechiuto.

Vanhu vaviri vanonzi vakuvara muchiitiko ichi, uye vanonzi vaendeswa kuchipatara kwaMutare.

Vechidiki veZanu PF pamwe nevanozviti vakarwa hondo yerusununguko, vanonzi vakaisa makamba avari kushungurudzira vanhu paNyamukamani muWard 4C pamwe nepaFairfield muWard 37.

Mukupera kwesvondo, misha yakawanda inonzi yakapiswa muWard 34, midziyo, chikafu pamwe nefodya zvakaparadzwa. KuMakoni North, vatsigiri veMDC vanosvika makumi matatu nevashanu, vanonzi vakasungwawo mukupera kwesvondo vachipomerwa mhosva dzekukonzera mhirizhonga.

Mumwe wevatsigiri veMDC varwiswa mambakwedza kuHeadlands, VaJacob Gumare, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vechidiki veZanu PF mudunhu iri, vakapiwa zvombo zvavari kushandisa mukushungurudza vanopikisana naVaMugabe.

Mashoko atatambira kubva kuShamva South kuMashonaland Central, anotiwo misha inodarika zana nemakumi matanhatu, zvikuru kwaBushu neJiti, inonzi yapiswa kubva China svondo rapera kusvika pari zvino. Mapurisa nemauto ndiwo anonzi ari kutungamira mukuparadzwa kwemisha yevatsigiri veMDC.

Ukuwo vatsigiri veZanu PF vakanga vasungwa neChina mudunhu iri vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga, vanonzi vaburitswa muhusungwa vasina mhosva yavapomerwa mushure mekuvharirwa nemapurisa kwemazuva maviri.

Mamwe mashoko atiri kutambira kubva kuMudzi West, anoti VaClever Katsande vemubhuku rekwaZanza, vanonzi vafa zvichitevera kurohwa kwavakaitwa nevatsigiri veZanu PF. Ukuwo Amai Esther Jakarasi vekwaMutoko, vanonzi vafira kuHarare General Hospital, mushure mekurohwa nevatsigiri veZanu PF kwaMutoko.

Murume wavo anonzi akarohwawo zvakaipisisa kwaMutoko kwekare. KuGutu West, chembere ine makore makumi manomwe nemaviri, yakarohwa zvakaipisisa, ikatyorwa maoko muchiitiko ichi.

KwaMutare, usiku hweMugovera, mapurisa akapaza imba yavaifungidzira kuti iri kugara vatsigiri veMDC vari kutiza mhirizhonga pamwe nekushungurudzwa kumaruwa.

Mumwe wevanhu vaive pamba apa usiku hwakauya mapurisa, VaChris Nyoni, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa akashaya vanhu vavaitsvaga vakasiya varova mumwe mudzimai aive pamba apa.

Zvichakadaro, vatsigiri veMDC vana vanoti vakarohwa zvakaipisisa neMugovera kuMutasa South nevatsigiri veZanu PF. Mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, anoti vamwe vavo vari muzvipatara zveMamutare umo vari kurapwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG