Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mutsigiri weMDC Anopfurwa Akafa kwaMakoni kuManicaland


Mashoko atiri kutambira anoti mumwe mukadzi wekuMakoni West, anonzi apfurwa nema war vets akazofa ari munzira kuenda kunorapwa kwaMutare.

Pataenda pamhepo, mutumbi wemufi uyu unonzi wanga uri pamuzinda weMDC kwaMutare. Mutauriri weMDC muManicaland, VaPishai Muchauraya, vanoti ichokwadi kuti nhengo yavo yafa. Kushungurudzwa kwevatsigiri veMDC neveZanu PF, kuri kuramba kuchienderera mberi mudunhu reManicaland, kunyanya kwaMakoni, zvichitevera kurohwa zvakaipisisa kwevamwe vatsigiri veMDC.

Vamwe vavo vanonzi vakapambwa vakaendwa navo kusingazivikanwi. Nyaya dzekurohwa kwevanhu dzinosvika gumi neshanu dzinonzi dzaitika mudunhu reMakoni West pazuva rimwe chete. Vamwe vatatu havasi kuzivikanwa kuti varipi.

Vakarwa hondo pamwe nevechidiki veZanu PF ava, vanonzi vaumba makamba ekushungurudzira vanhu paManonga Primary School muMakoni West, nepaChiubvure Business Centre kuMakoni South.

NeChina, vatsigiri veZanu PF vanonzi vakarova zvakaipisisa mumwe murume vachimupomera mhosva yekutsigira MDC.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata murume akarohwa uyu, uyo ati anoda kungonzi Nyasha, uyo ati vechidiki veZanu PF ava pamwe nevanozviti vakarwa hondo vari kupihwa zvombo nebato ravo izvo vava kushandisa pakuponda vanovapikisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG