Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Vanhu Vanodarika Mazana Matatu paMuzinda weMDC muHarare


Mapurisa ange aine zvombo zvehondo apinda nechisimba pamuzinda weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai weHarvest House muHarare, vakasunga vanhu vanodarika mazana matatu.

Sekutaura kuri kuita Irwin Chifera, vasungwa mangwanani eChishanu vanosanganisira vachangosarudzwa semumiriri weMufakose muparamende, Muzvare Paurina Mpariwa, pamwe nevachangosarudzwa semumiriri weDzivaresekwa, Mai Evelyn Masaiti Matongo.

Mapurisa aendawo neChishanu magwanani kumahofisi esangano reZimbabwe Election Support Network, akatora magwaro pamwe nekutakura mumwe mushandi wesangano iri, Muzvare Tsungai Kokerai.

Mapurisa aya anonzi auya aine gwaro rinoapa masimba ekusecha mahofisi esangano iri. Zvinonzi mapurisa aya ati ari kutsvaga magwaro aari kufungidzira kuti ane ZESN, ayo ane chekuita nekuda kupidigura hurumende.

Mutori wenhau weStudio seven Jonga Kandemiiri atanga nekubvunza sachigaro weZESN, VaNoel Kutukwa, kuti vanoti kudii kumhosva yavari kupomerwa nemapurisa?

Ntungamili Nkomo weStudio7 abatawo nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari gweta rinomirira nhengo dze MDC, Va Alec Muchadehama, kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kuitika.

Zvichakadaro, vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti pasvika zvinhu pava kuda kuti Mwari achipindira, kuitira kuti ropa risaramba richideurwa, uye vanhu vachiramba vachishungurudzwa.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vanoongorora zvematongerwo enyika, VaFarai Maguwu, pamwe naVaPedzisai Ruhanya, kuti tinzwewo pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG