Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti VaTsvangirai Ndivo Vanofanirwa Kutungamira Nyika Pakaitwa Hurumende yeMubatanidzwa


Hurumende yeZimbabwe, iyo yava kubatwa seine rushambwa nedzimwe nyika, inenge yava kuronga kuti paitwe hurumende yemubatanidzwa.

Mashoko aya akabuda mubepanhau reHerald neChitatu. Izvi zvinotevera zviri kunzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, kubudirira kweMDC mukuti vakuru venyika dzemuAfrica, vaone kuti VaMugabe vakabira musarudzo uye havasi kuda kusiya chigaro chavo.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vange vari kuMozambique neChitatu vachiita musangano nemutungamiri wenyika iyi, VaAmando Guebuza, uye vaimbotungamira nyika iyi, VaJoachim Chissano.

Ukuwo Assistant Secretary of State for Africa, muhurumende yeAmerica, Muzvare Jendayi Fraser, vasvika muSouth Africa neChitatu kuti vaite hurukuro nehurumende yenyika iyi uye Zambia neAngola kuti vasarege VaMugabe vachiita madiro aJojina.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaBright Matonga, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti havasi kuzoshanda naVaTsvangirai nekuti vanhu vemuZimbabwe havavafarire. Ukuwo munyori mukuru muMDC, VaTendai Biti, vanoti pakaitwa hurumende yemubatanidzwa, VaTsvangirai ndivo vanofanira kunge vari mutungamiri wenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG