Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vozvimbirwa Nenyaya yeZvombo Zvavakatenga kuChina


Nyaya yengarava yakatakura zvombo zvehondo zvakatengwa neZimbabwe kubva kuChina, iri kuramba ichitemesa nyika dzakawanda musoro. Nyaya iyi yasiya VaMugabe vari pamhene votizwa neshamwari dzavo dzepedyo.

Mutungamiri weZambia, VaLevy Mwanawasa, vakurudzira nyika dzemu SADC kuti dzisatendere kuti ngarava iyi imire munyika dzayo, sezvo zvombo izvi zvikaenda kuZimbabwe, zvingazoshandiswa mukukonzera mhirizhonga muZimbabwe. Angola, Mozambique neSouth Africa, nyika dzinova vana sahwira vaVaMugabe, dzarambawo kuti zvombo izvi zvipfuure nemunyika dzavo.

Hurumende yeAmerica yakumbirawo China kuti isatumire zvombo izvi kuZimbabwe, uye iri kutumira Assistant Secretary of State for Africa, Muzvare Jendayi Fraser, kuti vanotaure nevatungamiri venyika dzemuSADC kuti dzisarege VaMugabe vachiita madiro ajojina.

Dare redzimhosva rekuSouth Africa, rakapa mutongo neChipiri wekuti Germany ibvute ngarava iyi, sezvo Zimbabwe iine chikwereti nenyika iyi. Kambani yekuChina yakatengesa zvombo izvi inoti inogona kuzvidzora sezvo pasina nyika iri kuda kuzvigashira. Retired Lieutenant Colonel Martin Rupiya vanoshanda neInstitute for Security Studies muSouth Africa.

VaRupiya vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zviri kuitwa naVaMugabe hazvina nematuro ose kutenga zvombo vanhu vachiziya nenzara.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG