Accessibility links

Breaking News

SADC Yozeyazve Nyaya yeZimbabwe kuMauritius


Vatungamiri vehurumende dzemuSADC vari kutarisira kuita musangano kuMauritius mukupera kwesvondo vachibatabata nyaya yeZimbabwe.

Vatungamiri ava vanosanganisa mutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki, VaJakaya Kikwete mutungamiri weTanzania vanovazve sachigaro weAU. Vane ruzivo nezviri kuitikaSADC VaLevy Mwanawasa varikutarisira kutura nyaya yavakakumbirwa naVaMorgan Tsvangirai yekuti vaudze VaMbeki kuti vachirega kuita mutongi gava nekuti vakundikana.

SADC inonziwo yatumira vaongororori vesarudzo kuZimbabwe neChishanu kunoongororazve kuverengwa patsva kwemavhoti mangwana mumatunhu makumi maviri nematatu.

Izvi zvinotevera kuraswa kwenyaya yeMDC muHigh Court neChishanu yekuti kuverengwa kwemavhoti kumire.

Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti ZEC nematare vave kushanda neZanu-PF kudzvinyirira vanhu.

Zvichakadaro mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC VaArthur Mutambara vati vachatsigira VaTsvangirai uye vashorawo ZEC nekutadza kuita basa nemazvo.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG