Accessibility links

Breaking News

Masoja Anoponda Vanhu Pazuva Rekucherechedza Kuzvitonga Kuzere


Sechave chigariro, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vatuka zvakare Britain, vachiti ndiyo irikukonzera matambudziko arimunyika, pakuedza kuda kutora zvakare nyika kubva kuhutongi hwevatema.

Zvisineyi, apo nyika yanga irikucherechedza zuva rekuwana kuzvitonga, masoja aenderera mberi nekurova vanhu vakawanda mumisha inogara vazhinji muHarare neChitungwiza.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, izvi zvatadzisa veruzhinji kupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere vaine mufaro.

Vagari vazhinji vemuBulawayo vaswera varimudzimba dzavo nekumabasa ndokusiira zvokupemberera independence kumapurisa, masoja pamwe nevana vadiki. Vamwe vagari vemuguta iri, vaudza Studio 7 kuti vane zvikonzero zvakasiyana-siyana zvaita kuti vasakoshese zuva rekuzvitonga kuzere iri.

Nestai Mlilo anotipa nyaya inotevera...

Zvichakadaro, kunhandare yeSakubva stadium maMutare mange mune vanhu vasingapfuuri churu vauya kuzopemberera zuva reindependence.

Vange vari munhandare nhasi vanosanganisira vapwere, mauto nemapurisa. Umwe mupurisa aramba kudomwa nezita audza Studio 7 kuti mapurisa, masoja nevekumajere vakamanikidzwa kuti vapfeke mbatya dzavo kwete zvipfeko zvebasa, kuitira kuti zviite kunge vanhu vakawanda vauya kumhemberero idzi.

Gavhuna weManicaland vaTinaye Chigudu ndivo vataura mashoko emutungamiriri wenyika VaMugabe.

Mashoko ari kubva kuChinhoyi anoti vanhu vasingasvike zviuru zviviri vaenda kunhandare yeChinhoyi uko kwanga kwakaungana vanhu mukupemberera zuva rekuzvitonga kuzere.

Mutori wedu wenhau anoti vazhinji vevashoma ava anga ari mapurisa nemasoja.Zvinonziwo mapurisa ose emuChinhoyi kusanganisira vari pazororo vakashevedzwa nezuro ndokutaurirwa kuti vose vaisungirwa kuve kunhandare nhasi vamwe vasina nhumbi dzavo dzebasa.

Vanhu vataura neStudio 7 vati veruzhinji vanga vachitsutsumwa kuti hapana hurumende nokudaro hapana munhu anekodzero yekunge achitaura pazuva rekucherechedza kuzvitonga kuzere.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG