Accessibility links

Breaking News

Kushungurudzwa Kwenhengo DzeMDC Kunonzi Kuri Kuramba Kuchienderera Mberi


Bato reMDC rinoti kushungurudzwa kwenhengo dzaro nevano fungidzirwa kuti ndeveZanu PF kuri kuramba kuchienderera mberi uye kusvika pari zvino nhengo dzaro shanu dzakarasikirwa nehupenyu.

Matunhu anonzi ari kunyanya kushungurudzwa vanhu anosanganisira Mashonaland East, West, neCentral neManicaland.

Mutauriri webato iri VaNelson Chamisa vanoti zuva rekuzvitonga kuzere, iro riri kucherechedzwa nemusi weChishanu, harina zvarinoreva kana vana veZimbabwe vachi shungurudzwa kudai.

Zvichakadaro sangano reZESN rashora zvikuru kushungurudzwa kwenhengo dzaro munzvimbo dzakatsaukana munyika.

ZESN inoti vanhu vanga vachiongorora sarudzo kunyanya mumatunhu e muMashonaland East neMashonaland West varikurohwa nevechidiki veZANU-PF pamwe nevaimbove varwe vehondo yerusununguko.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG