Accessibility links

Breaking News

MDC Inokwikwidza Mumatare Zvigaro Makumi Matanhatu Zvakatorwa NeZanu PF


Bato reMDC inotungamirirwa naVaTsvangairai riri kukwikwidza mumatare edzimhosva zvakabuda musarudzo dzevamiriri veparamende mumatunhu makumi matanhatu, ayo akatorwa neZanu PF.

Bato iri rinoti Zanu PF yakashandisa chisimba, kutyisidzira vanhu, kutenga mavhoti pamwe nezvimwe zvakasiyana siyana mukukunda kwayakaita.

Matunhu ari kukwikwidzwa anosanganisira Harare South, Zvimba North ne Murehwa South neNorth.

Gweta riri kumirira MDC VaAlec Muchadehama vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti bato iri riri kuda kuti sarudzo dziitwe zvakare mumatunhu aya.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG