Accessibility links

Breaking News

SADC Inodaidzira Musangano weChimbichimbi Wekuzeya Zimbabwe


SADC yadaidzira musangano wechimbichimbi neMugovera kuLusaka, wekuzeya nyaya yeZimbabwe. Mutungamiri weZambia, VaLevy Mwanawasa, avo vanova sachigaro weSADC, vanoti vari kuda kuti SADC iise musoro pamwe chete panyaya yeZimbabwe. Hazvisi kuzivikanwa kuti VaMugabe vachaenda here kana kuti kumusangano uyu.

Ukuwo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kuenderera mberi vachisangana nevatungamiri venyika dzemuSADC.

VaTsvangirai vasangana neChitatu nemutungamiri mutsva weBotswana, VaSeretse Khama Ian Khama, uye vaimbova vatungamiri venyika iyi, VaFestus Mogae naVaKetumile Masire.

Studio7 yaita hurukuro naVaTsvangirai vari muBotswana, ikabvunzawo Professor John Makumbe, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisa paUniversity of Zimbabwe, pfungwa dzavo pane zvaitwa naVaMwanawasa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG