Accessibility links

Breaking News

Dare reHigh Court Rinotanga Kunzwa Nyaya Yakakwidzwa neMDC


Dare reHigh Court ratanga neChipiri kunzwa nyaya yakakwidzwa mudare iri neMDC, iyo iri kuda kuti Zimbabwe Electoral Commission, iburitse zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Kutanga kunzwikwa kwenyaya iyi, kunotevera mutongo waVaTendai Uchena, avo vati nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa nechimbi chimbi. ZEC yakanga yapikisa ichiti nyaya iyi haifanirwi kunzwikwa nechimbi chimbi.

Mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, uyo anga ari kumatare audza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti magweta ari kumirira MDC neZEC atotanga kupira nyaya dzavo kudare.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG