Accessibility links

Breaking News

ANC Inoti Hurumende Inofanirwa Kutambira Zvakabuda Musarudzo


Bato riri kutonga muSouth Africa reANC rinonzi riri kutarisira kuti hurumende yeZimbabwe itambire zvakabuda musarudzo, izvo zvinofungidzirwa kuti MDC yakakunda.

Bepanhau reWashington Post rinoti ANC iri kukurudzirawo mamwe mapazi ehurumende akaita semauto kuti vatambirewo zvakabuda musarudzo, kuitira kuti nyika ienderere mberi.

Studio 7 yaedza kutaura nebato reANC, asi mutauriri waro anzi anga asiri muhofisi. Pane runyerekupewo rwekuti vaimbowe mutungamiri weMozambique, VaJoaquim Chissano, vapinda munyika nhasi kuti vaedze kuita hurukuro nemapato maviri aya, kuitira kuti VaMugabe vaende murunyararo.

Professor John Makumbe inyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe.

VaMakumbe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti VaMugabe ne bato ravo reZanu PF vangangoteerera zvingangobva kuANC pamwe naVaChissano sezvo vachivaremekedza zvikuru.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG