Accessibility links

Breaking News

MDC Yonyunyuta Nezvakabuda Mumwe Mumatunhu


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti kunyange hazvo zviri kubuditswa neZimbabwe Electoral Commission zviri kuenderana nezvavainazvo, pane zvimwe zvisiri kuvafadza mune dzimwe nzvimbo.

Pari zvino ZEC iri kuti musarudzo dzevamiriri veparamende, MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai yakunda mumaconstituency makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe-99, izvo zviri kuenderana nezvataurwa ne ZEC.

Mutungamiri webazi rinoona nezve sarudzo muMDC, VaDennis Murira, vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, kuti havasi kugutsikana nezvakabuda mudzimwe nzvimbo dzakaita seBindura North, Kambuzuma ne Mazowe South.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG