Accessibility links

Breaking News

MDC Inotungamirwa naVaTsvangirai Inoti Yakakunda Musarudzo


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika uye pave kutarisirwa kuti sarudzo dzemutungamiri wenyika, dzinogona kudzokororwa, kana pasina akwanisa kuwana mavhoti anodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana, kana kuti 50% plus one vote, sezvinodiwa kuti munhu anzi akunda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Sarudzo idzi dzinenge dzoitwa mukurepa kwemazuva makumi maviri nerimwe pakati paVaMugabe naVaTsvangirai.

ZEC ichiri kuburitsa zvakabuda musarudzo pashoma nepashoma, uye iri kukurudzira vanhu kuti vabate hana dzavo.

Asi mutungamiri wehurumende yeBritain, VaGordon Brown, vanoti ZEC ngaikurumidze kuburitsa zvakabuda musarudzo. Vatiwo vataura nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, nezvenyaya iyi.

Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vatiwo vari kutaura naVaMbeki vachivasuma zvose zviri kuitika.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti vari kutarisira kukunda musarudzo idzi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG