Accessibility links

Breaking News

Mapurisa neMauto Vombeyambeya Mumigwagwa


Mauto nemapurisa vanonzi neChina vakaswera vachimbembeya mumigwagwa yemisha inogara vazhinji muHarare neChitungwiza vachiyedza kutyisidzira vanhu nyika yatarisana nesarudzo.

Mapurisa nemauto aya, anonzi anga akapakatira zvombo zvehondo uye achifambawo nemotokari dzeku Israeli dzinoshandiswa pakudzivirira mhirizhonga.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vanoti havana ruzivo nezviri kuitika. Asi gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Sikhanyiso Ndlovu, vanoti MDC yadenha mago nekutaura mashoko ekuti sarudzo dzikabirirwa vachaita mhirizhonga.

Asi Professor John Makumbe, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vanoti zvekutyisidzira vanhu hazvibatsire.

Asi bepanhau reHerald rinoti mapurisa nemauto vari kugadzirira mhirizhonga ingangoitika.

Mugari wemuHighfield, VaMunyaradzi Gandanzara, vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti vanhu havazobvumi kutyisidzirwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG