Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomanikidza Mabhizinesi Ose Kuderedza Mitengo Yezvinhu


Vemabhizinesi vasangana neChipiri nehurumende nechinangwa chekugadzirisa gakava riripo panyaya dzemitengo vakawirirana kuti mitengo yezvinhu idzikiswe kuenda payaive iri musi waKurume 18 wegore rino.

Izvi zvinotevera mashoko aVaMugabe ekuti vemabhizinesi vadzikise mitengo yezvinhu, kukundikana kwavo kuchireva kudzokera kwavakabva.

Hurumende yanga ichipomerawo vemabhizinesi mhosva yekuvhara mabhizinesi avo kuti vazovhura sarudzo dzapfuura, vaona kunenge kwawira tsvimbo nedohwe.

Mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, anoti vemabhizinesi vabvuma kutambira chikumbiro chehurumende ichi.

Ukuwo mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti chirango chehurumende chekuti vadzikise mitengo ichi, chichavaomesera sezvo vari kunetsekana kuwana mari yekunze inodiwa pakufambisa mabhizinesi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG