Accessibility links

Breaking News

America Yoteya Nzeve Pane Zvichabuda Musarudzo


Nhengo huru ye bazi reState Department muAmerica, Mai Carol Thompson, vanoti hurumende yavo iri kuronga kutora matanho akakodzera, zvichienderana nezvichabuda musarudzo dzichaitwa musi weMugovera.

Vachitaura pamusangano wakaitirwa pa CATO Institute muWashington DC neMuvhuro, Mai Thompson vakaratidza kushushikana nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe panguva yesarudzo.

Vamwe vakataura pamusangano uyu vanosanganisira vaimbove mutevedzeri wemunyori mubazi rinoona nezve Africa muState Department, VaWalter Kansteiner pamwe naVa Richard Tren director ve Africa Fighting Malaria.

Zvanga zvichitaurwa pamusangano uyu, zvakanangana nezviri kuitika munyika panguva yekugadzirira sarudzo, pamwe nemashoko akabuditswa mugwaro rinonzi, A Decade of Suffering, rakanyorwa naVa David Coltart mumiriri we Bulawayo South muparamende, muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVa Phillip Pasirai, senior program manager muCrisis in Zimbabwe Coalition avo vakanga vari pamusangano uyu.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG