Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rinocherechedza World Water Day.


Pasi rose racherechedza neChina zuva rekukosha kwemvura, reWorld Water Day. Dingindira regore rino ndere kuvandudzwa kwenzira dzekuchengetedza hutano.

Kunyange hazvo paine kurudziro yekuti pasi rose vanhu vawane nzira dzakanaka dzekuchengetedza hutano, munyika vanhu vakawanda vari kushaya mvura yekunwa yakachena, izvo zviri kuvaisa munjodzi dzezvirwere zvakasiyana siyana.

Nyanzvi munyaya dzemvura, Doctor Davison Ssaungweme, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paJohn’s Hopkins University muAmerica, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanhu vanokwanisawo kuwana mvura yakachena nekuifashaidza kana kusefa nejecha ravanofanirwa kutanga vakanga, kuitira kuuraya hutachiwana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG