Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yosunga Vari Kukwidza Mitengo Zvisiri Pamutemo


Hurumende iri kuenderera mberi nekuomesera vemabhizimusi vari kukwidza mitengo yezvinhu. Izvi zvinotevera kusungwa kwemukuru wekambani inobika chingwa yeBakers’ Inn, VaDavid Muchinguri, pamwe nemuridzi weKevaree Investments, VaShaazard Shaukat avo vaitengesa semende nemutengo uri pamusoro soro.

Vanobika chingwa vari kutengesa rofu nemutengo unodarika wakatarwa we$6 million parofu vachitengesa rofu nemitengo inosvika ku$15 million.

Ukuwo komiti yakaumbwa nehurumende kuti irwisane nekukwira kwemitengo yezvinhu pamwe nemisika mitema, iri kukurudzira kuti hurumende ikande mujeri vanenge vasungwa vachikwidza mitengo yezvinhu zvisiri pamutemo.

Sangano rinomirira vemabhizimusi reConfederation of Zimbabwe Industries riri kukurudzirawo nhengo dzaro pamwe nevemabhizimusi kuti vasangokwidza mitengo zvisina tsarukano.

Nyanzvi mune zveupfumi, VaProsper Chitambara, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paBirmingham University kuBritain, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvava kuitwa nehurumende zvekusunga vemabhizimusi izvi, chiratidzo chekuti yava kutsvaga rutsigiro sezvo nyika yatarisana nesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG