Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Varairidzi Havasi Kuibatsira Pasarudzo


Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yazivisa kuti haisi kuzoshandisa varairidzi sema polling officer kana kuti vachabatsira pakuvhotesa.

Sachigaro wesangano iri, Jusitice George Chiweshe, vanonzi vazivisa kuti ZEC ichatora vachabatsira ava kubva kumamwe mapazi ehurumende akaita semazi rezvematunhu, vezvehutano pamwe nePublic Service Commission, uye vachaendeswa kumatunhu avanobva kuitira kuti vakwanise kuvhotawo vari ikoko, sezvo vasingakwanisi kuvhota vachishandisa posvo, kana kuti postal voting.

Panga paine kuchema chema kubva kusangano rinomirira varairidzi rePTUZ, iro ranga richiti varairidzi vachabatsira pakuvhota havasi kuzokwanisa kuvhota sezvo vachange vasiri kumatunhu avanofanirwa kuvhotera.

Sachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, avo vapinda mumusangano weZEC uyu vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti nyay yenzvimbo dzekuvhotera yataurwawo apo sangano reZEC rati panzvimbo yekuvotera panenge paine mipanda inosvika mishanu kana kupfuura yekuvhotera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG