Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoparura Gwaro Rehurongwa Hwavo Kana Votonga


Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vaparura neChipiri hurongwa hwavo hwekuti kana vapinda muhurumende, bato ravo richagadzirisa seyi mamiriro akaita zvinhu munyika.

Vachiparura hurongwa uhu muHarare, VaTsvangirai vati kana MDC yave kutonga, ichagadzirisa zvinhu zvishanu zvanyanyonetsa munyika. VaTsvangirai vati zvinhu izvi zvinobata nyaya dzehupfumi, minda, zvematongerwo enyika nekodzero dzevanhu, zvekufambisa, pamwe nekuwanira vanhu pekugara pakanaka.

VaTsvangirai vati bato ravo rikakakunda musarudzo, richange riine makurukota gumi nemashanu chete, senzira yekusatambisa mari yehurumende, sezviri kuitwa naVaMugabe, avo vane makurukota akawandisa. Vatiwo vanhu vanofanirwa kuvimba neMDC, sezvo riri bato rine shungu dzekuona Zimbabwe ichibudirira.

VaTsvangira vatiwo hurongwa hwavo hunoratidza vazhinji kuti MDC ine hudzamu hwekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Vachitaurawo nezviri mu policy document iyi, munyori anoona nezvekubudiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, vatiwo bato ravo rakanyora gwaro iri nemwoyo wose, sezvo MDC iri kurwadzikana zvikuru nekuparara kwaita nyika.

VaChamisa vati vanhu vemuZimbabwe ngavape MDC mukana wekugadzirisa zvinhu munyika, sezvo Zanu PF yatadza kugadzirisa zvinhu munyika kwemakore akawanda. VaChamisa vatiwo bato ravo riri kunetsekana zvikuru nedambudziko re HIV/AIDS, sezvo vanhu vakawanda vasiri kukwanisa kuwana mishonga yekuti vararame hupenyu huri nani.

VaChamisa vati bato ravo richagadzirisa dambudziko iri, kana richinge rasarudzwa sebato riri kutonga musarudzo dzegore rino. Vanhu vakawanda, kusanganisirawo vamiriri vedzimwe nyika pamwe nevatungamiri vemasangano akazvimirira ega, vauya kuzonzwa MDC ichiparura gwaro rayo, iro ichashandisa mukuvandudza, pamwe nekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG