Accessibility links

Breaking News

Chief Charumbira Vosangana neMadzishe neChishanu Kuti Vasarudze Vachapinda Mudare reSeneti


Sangano re Veritas, iro rinoongorora nyaya dzemitemo pamwe nezvinoitwa mudare reparamende, rinoti pasi pemutemo wesarudzo, madzishe anofanirwa kusarudza vachange vachivamirira mumatunhu makuru neChishanu.

Kana madzishe aya apedza kusarudza sangano ravo re Provincial Assemblies of Chiefs, anofanirwa zvakare kusangana svondo rinouya neChishanu, kuitira kuti asarudze nhengo dze Council of Chiefs, pamwe nemutungamiri uye mutevedzeri wemutungamiri wekanzuru yemadzishe.

Nhengo idzi, idzo dzinosvika gumi nenhanhatu, ndidzo dzinozopinda mudare reseneti. Sangano re Zimbabwe Electoral Commission rinoti harineyi nehurongwa hwemadzishe, sezvo vanenge vachisarudzana pachavo. Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru we Council of Chiefs, Ishe Fortune Charumbira, kuti tinzwe pfungwa dzavo.

VaInnocent Gonese inyanzvi munyaya dzimitemo, uye vari Chief Whip we MDC muparamende.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaGonese kuti vanoonawo seyi kusarudzwa kunoitwa madzishe anopinda mudare reseneti.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG