Accessibility links

Breaking News

South Africa Youmba Chikwata Chichaongorora Sarudzo muZimbabwe


South Africa inoti ichatumira chikwata chevanhu vanodarika makumi mashanu kuti vaongorere sarudzo dzemusi was 29 Kurume.

Chikwata ichi chichange chiine nhengo dzehurumende, dzeparamende, mapato anopikisa hurumende, pamwe nemasangano akazvimirira oga. Asi nhumwa idzi dzichange dzichiongorora sarudzo idzi dziri pasi peSADC. Zvisinei, masangano akaita se COSATU anoti haana kukokwa kuti aende kunoongorora sarudzo idzi, asi vanoti vane chido chekuita izvi.

Sangano reSADC rakatarisirwa kuparura hurongwa hwaro hwekuongorora sarudzo nemusi weSvondo.

Asi mutauriri webazi rinoona nezve kudyidzana kweSouth Africa nedzimwe nyika, Va Ronnie Mamoepa, vaudza Studio 7 kuti vekuSouth Africa vachasvika musi wa 20 svondo rinouya.

VaFarai Maguwu vanoongorora nezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano re The Centre for Research and Development. VaMaguwu vaudza mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba kuti zvekuti South Africa ingoongorora sarudzo idzi iri pasi peSADC chete, zvichati netsei.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG