Accessibility links

Breaking News

VaMarvellous Khumalo Vanorambirwa Mari yeChibatiso neDare


Vari kumirira MDC musarudzo dzemu St Mary’s, VaMarvellous Khumalo, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, vakanzi vagare mutirongo kusvika musi wa18 Kurume. Izvi zvinoreva kuti vachange vasingatsvage rutsigiro munguva iyo vanenge vari mutorongo. VaKhumalo vakasungwa neChishanu vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga. Asi vakaona zvichiitika vanoti VaKhumalo ndivo vainge vatori parumananzombe, mushure mekurwiswa.

MDC inoti mapurisa, vasori, uye vatsigiri veZanu-PF, vari kuendererera mberi vachishungurudza nhengo dzayo uye vatsigiri vayo vari kutsvaga rutsigiro rwebato musarudzo dzemuna Kurume.

MDC inoti yakwidza nyaya iyi kuHigh Court, uye kuMulti-Party Political Liaison Committee yeZEC vachiti nhengo dzebato ravo dziri kutyisidzirwa.

Vamwe vatsigiri veMDC vari kurohwa uye vamwe vakatotiza misha yavo. Izvi zviri kuitika kuManicaland, Bulawayo, Masvingo nekune dzimwe nzvimbo.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kunyange Zanu PF ikatyisidzira vanhu, zviri pachena kuti hutongi hwayo hwasvika kwamvura yacheka makumbo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG