Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voronga Kuratidzira Panguva yeSarudzo


Vashandi vehurumende vanoti varikuronga kuratidzira vachinyunyuta kuti mauto chete ndivo akapihwa mari kunyangwe hazvo ivo varikunonga svosve nemuromo.

Svondo rapera mauto akapihwa mari dzinotangira paZ$1,2 billion kunyangwe hazvo vamwe vose vasina kupihwa mari.

Masangano evarairidzi, vanachiremba nemamwe masangano evashandi vehurumende audza Studio 7 kuti zvakaitwa nehurumende zvinoodza moyo.

Vashandi vehurumende ava vatiwo vanogona kuregedza kuita basa ravanotarisirwa kuita rekufambisa sarudzo vachiratidza kunyunyuta kwavo.

VaRejoice Ngwenya nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe vanopa mauto mari nekuti vanotya kuti vakasadaro vangavapidigure.

Zvichakadaro kunyange hazvo vakawedzerwa mari, varimuchiuto nemuchipurisa varikuti kunyange varikuda shanduko muhutungamiri wenyika musarudzo dza 29 Kurume, havakwanise kubuda pachena nekutyisidzirwa kwavarikuitwa nevakuru vakuru vavo.

Motori wenhau weStudio 7 Brenda Moyo ataura nemumwe arimuchiuto arikushandira kuNyanga atya kudomwa nezita, uyo anoti vakuru vakuru vavo varikufamba mumakamba vachivaudza kuti vanofanira kuvotera bato ririkutonga re ZANU-PF nekuti ndiko kurikubva mari dzavanotambira.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG