Accessibility links

Breaking News

Zesn Yorambidzwa Kushambadza Panhepfenyuro

Nhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Holdings kana kuti ZBH, yabvisa pamhepo mashoko eZESN ekushambadza zvesarudzo.

ZESN inoti yakatambira tsamba kubva ku Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, inotaura kuti hazvibvumidzwe kuti vaise mashoko anodzidzisa vanhu nezvesarudzo, pamhepo sezvo basa iri riri re ZEC.

Asi vamwe vanoziva zviri kuitika vaudza Studio 7 kuti mutauriri wehurumende, Va George Charamba, ndivo vakanyora tsamba kuZBH, vachivarambidza kuisa ma adverts eZESN pamhepo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kune veZEC, kanawo VaCharamba nezvenyaya iyi, sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kusvika.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro nasachigaro veZESN, VaNoel Kututwa, avo vanoti vashushikana zvikuru nedanho iri, asi sangano ravo richaenderera mberi nekushandisa dzimwe nzira dzekuudza vanhu zvinofanirwa kuitwa pazuva resarudzo dzakatarisirwa kuitwa musi wa 29 Kurume.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG