Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanoti Munyika Hamuna Dzidziso Yezvesarudzo


Kwasara masvondo mashanu chete kuti sarudzo dziitwe munyika, asi veruzhinji vari kuchema chema vachiti havasati vawana dzidziso dzezvesarudzo.

Mutemo unoti vemapato ezvematongerwo enyika pamwe neZimbabwe Electoral Commission, Z-E-C, ndivo vanofanirwa kunge vachidzidzisa vanhu nezvesarudzo. Asi mamwe mapato ezvematongerwo enyika kusanganisira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, anoti haasati apihwa mvumo yekupinda muvanhu achiita izvi.

Ukuwo, sangano reZ-E-C, iro rinofanirwa kunge richitungamira mukuita izvi, rinoti rakatanga kuita dzidziso dzezvesarudzo nemusi weChina svondo rino. Asi vamwe vari kuti sangano iri harina hudzamu hwekusvika munzvimbo dzese dzenyika sarudzo dzisati dzaitwa. Vamwewo ndivo vari kuti Z-E-C yakazadzwa nevanhu vari kutsigira bato riri kutonga reZanu PF, izvo zvichaita kuti risashande rakasunguka.

Mukuzeya nyaya iyi, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata mukuru wezvesarudzo muMDC yaVaTsvangirai, VaDennis Murira, pamwe naprogrammes manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, avo vanowirirana vose kuti nguva yapera kuti mapato ezvematongerwo enyika pamwe neZ-E-C vachitanga kudzidzisa vanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG