Accessibility links

Breaking News

MDC: VaMbeki Votaura Manyepo Panyaya Yenhaurirano


Vamiriri veMDC dzinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe naVa Arthur Mutambara, neChina, vakaudza vatori venhau muSouth Africa kuti vari kupokana zvakanyanya nekusataura chokwadi kuri kuitwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, neSADC pamusoro pehurukuro dzavakaita neZANU-PF.

Vanyori vakuru vemapato maviri aya, Va Tendai Biti naVa Welsman Ncube, vati hurukuro idzi hadzina kubudirira zvachose, uye dzaratidza pachena kuti SADC yakundikana kugadzirisa matambudziko ari muZimbabwe.

VaBiti vanoti vari kupinda musarudzo idzi vachitsutsumwa nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro na Doctor Norman Mlambo, vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano re Africa Institute iri muSouth Africa, kuti tinzwe maonero avo panyaya iyi.

Sezvo nyaya yenhaurirano dzeMDC ne ZANU-PF iri kutambirwa nenzira dzakasiyana siyana nevanhu, Carole Gombakomba aitawo zvakare hurukuro neimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi mukuru pa University of Zimbabwe, Professor John Makumbe, kuti tinzwewo pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG