Accessibility links

Breaking News

VaMajongwe Nevamwe Vavo Vanobuditswa Muhusungwa


Nhengo pfumbamwe dzeProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kutiPTUZ, idzo dzakasungwa neChipiri, dzaburitswa muhusungwa mushure mekupomerwa mhosva yekuzvidza mitemo yenyika.

Nhengo idzi dzakapinzwa muhusungwa mushure mekurohwa zvakaipisisa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve ZANU-PF. Magweta enhengo idzi anoti nhengo idzi dziri kuramba mhosva yadziri kupomerwa. Varume ava vachaenda kumatare edzimhosva kana mapurisa avadaidza vachishandisa masamanisi.

Vanga vari muhusungwa vari muchipatarara vanosanganisira mutungamiri wePTUZ VaTakavafira Zhou, munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, National Co-ordinator, VaOswald Madziwa, vanoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaHarrison Mudzuri, nevamwe.

Gweta renhengo dzePTUZ, VaAlec Muchadehama, vanoti nhengo dzeZANU-PF dziri kupomera nhengo idzi kuti dzakapinda zvisiri pamutemo pamuzinda weZanu PF vakakanda ma-T-shirt eMDC. Vatiwo vaudzwa nemapurisa kuti vari kunzi vakarwisa nhengo dzePTUZ, vakasungwa.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMuchadehama kuti tinzwe kuti nyaya iyi yava papi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG