Accessibility links

Breaking News

VaMajongwe Nevamwe Vavo Vanorohwa Zvakaipisisa muHarare


Nhengo pfumbamwe dzeProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, dzinonzi dzapambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve ZANUPF, dzikarohwa zvakapisisa pamuzinda weZANU-PF Harare province.

Varohwa ava vanonzi vanga vachipa vanhu mapepa anokurudzira hurumende kuti igadzirise zvinhu mubazi redzidzo. Varohwa vanosanganisira munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, National Co-ordinator, VaOswald Madziwa, vanoona nezve kuburitswa kwemashoko, VaHarrison Mudzuri, mutungamiri wesangano iri, Va Takavafira Zhou, nevamwe vatisina kukwanisa kuziva mazita avo.

Mushure mekurohwa, vanhu ava vazoendeswa kumapurisa. Nhengo idzi dzanga dziri kuAvenues Clinic Chipiri manheru dzichirapwa. Mashoko atiri kutambira anoti mapurisa ari kurambidza magweta ePTUZ kuti aone nhengo idzi. Hapanawo ari kuziva kuti vanhu ava vachapomerwa mhosva ipi. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro na Administration Officer wePTUZ, Muzvare Abigail Machokera, kuti tinzwe mafambiro aita zvinhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG