Accessibility links

Breaking News

Varimi Votyira Kuti Zvirimwa Zvavo Zvingangooma Sezvo Mvura Yambomira Kunaya


Vamwe varimi mumatunhu akawanda munyika vanonzi vave kutyira kuti zvirimwa zvavo zvingangokanganisika zvichitevera kusanaya kwemvura kwemasvondo maviri.

Matunhu mazhinji munyika haasi kuwana mvura yemudenga, izvo zvava kupa kuti mbesa dzakaita sechibage dzanga dzava pedyo nekutumbuka dzisvave. Bazi reMeteorological Services Department riri kutarisirwa kutanga kushandisa ndege kudyara makore anodaidza mvura.

Nyika yakambochema chema kwemwedzi miviri yapfuura zvichitevera kuwandisa kwakanga kwaita mvura yainaya.

Nyanzvi mune zvekurima, VaThomas Nherera, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kunyange hazvo zvimwe zvirimwa zvava kuratidza kukanganisika nekushaya mutota, varimi vefodya, donje nesoya beans vari kutofarira mamiriro akaita zvinhu pari zvino.

Dzimwe Khau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG