Accessibility links

Breaking News

VaMutambara Vanoti Vachatsigira VaSimba Makoni


MDC inotungamirwa naVa Authur Mutambara yabuda pachena neChishanu kuti yava kubatana nevaimbove gurukota rezveupfumi, VaSimba Makoni, musarudzo dzemwedzi unouya.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaMutambara vati bato ravo raona zvakakodzera kupa VaMakoni mukana wekumira musarudzo dzemutangamiri wenyika.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Slyvia Manika, VaMakoni havana kuuya kuzotsigira VaMutambara apo vanga vachitaura.

Tichiri panyanya iyi nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaEarnest Mudzengi, vanoti kubatana kwaVaMakoni naVaMutambara kuchabatsira VaMakoni kuti vawanewo rutsigiro.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG