Accessibility links

Breaking News

Vemabhizinesi Vobayiwa Nekuparara Kwesimba Remari


Vemabhizimisi vanoti kuderera kwehuremu hwemari yemunyika kana kuti inflation, kusvika pa66 000%, chiratidzo chekuoma kwaita zvinhu munyaya dzekugadzirwa kwezvinhu munyika.

Vemabhizimusi vanotizve nekuda kwekushaikwa kwemari yekunze, havasi kukwanisa kugadzira zvinhu zvichireva kuti muzvitoro munenge musina chinowanikwamo. Izvi zvinonzi zvinozoita kuti Central Statistical Office ishandise mitengo yezvinhu zvisipo kana inobva kuNational Incomes and Pricing Commission iyo inenge iri pasi pasi.

CSO yakaburitsa inflation yegore kusvika muna Zvita iyo yakakwira kubva pa26 000% mumwedzi waMbudzi kuenda pa66 000%.

Asi mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vanoti veruzhinji ndivo vari kunyanyoomerwa nezvinhu sezvo zvinhu zvizhinji zvava kuwanikwa pamukoto nemitengo iri pamusoro soro.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG