Accessibility links

Breaking News

Chikiribidi Musarudzo Dzevamiriri Vemapato Chokonzera Mutauro


Kunyange hazvo vamwe neChishanu vainge vachiendesa mazita kuNomination Court kuti vakwikwidze musarudzo, vamwe nzira dzakange dzakananga kumatare vachiti vakabiridzirwa muma primaries.

Dzimwe nhengo dzeMDC neZanu-PF dzakakwidza mapato adzo kumatare. Vanoona nezvekufambiswa kwezvematongerwo enyika muZanu-PF, VaElliot Manyika, vanoti mutemo weZanu-PF unoti vanhu vanofanira kuendesa nhuna dzavo kubato kwete kumatare.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanotiwo kunyangwe bato rainge rati nhengo dzeparamande dzange dziripo hadzisi kuzokwikwidzwa, zviri kuvanhu kuti vati vanotambira nhengo yavo yeparamende here kana kuti kwete.

Izvi zvinotevera kukwira kumatare kwaVaTimothy Mubawu vekuMabvuku mushure mekukundwa musarudzo.

Madzimai nekowo ari kuti mamwe mapato akatadza kuvapawo mikana yakafanira yekuti vakwikwidze musarudzo. Vamwe vanoti vatungamiri wemapato ezvematongerwo enyika vakapa zvigaro kunana sahwira wavo.

Mukuzeya nyaya iyi mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 aita hurukuro naMuzvare Theressa Mugadza gweta uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye VaEarnest Mudzengi, National Director weNCA uye vachiongororawo nyaya dzezvematongerwo enyika kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG