Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voita Chipatapata Muzuva Rekupedzisira Kunyoresa


Zimbabwe Electoral Commission pamwe nehofisi yaRegistrar General, vawedzera nezuva rimwe chete, kuti vanhu vakwanise kuongorora voter’s roll pamwe nekunyoresa kuti vakwanise kuvhota.

Svondo rino rese bepanhau re Herald, ranga richibuditsa mashoko anga achibva kuZEC, ekuti chirongwa ichi changa chichipera neChitatu. Asi bepanhau iri, nhasi raturawo mashoko anga achibva kuna Registrar General, VaTobaiwa Mudede, vachiti chirongwa ichi chichapera neChina.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro nasachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaNoel Kututwa, avo vanoti zviri kuitwa nehurumende izvi, zvave kuratidza pachena kuti hurongwa hwesarudzo, hauna kurongeka zvakakwana.

Tichiri panyaya iyi, Carole aita zvakare hurukuro naVa Dennis Murira, vanoona nezvesarudzo muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, avo vanotowo, kunyange hazvo vamwe vakwanisa kunyoresa kana kuongorora mazita avo muvoter's roll, maitiro akadai, ndiwo anoratidza kuti ZEC, haisi kugona kufambisa basa resarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG