Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Hurongwa Hwayo Hwesarudzo Huri Mugwara


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rapedza hurongwa hwekuunganidza vachirimirira musarudzo.

Vamwe wevachamirira bato iri musarudzo kuBudiriro ndiProfessor Heneri Dzinotyiwei avo vakunda VaEmmanuel Chisvuure. Vachamirira Mabvuku/Tafara ndaVaShepherd Madamombe avo vakunda VaTimothy Mubhawu.

Vamwewo vachamirira bato vanoti VaNelson Chamisa, Kuwadzana, VaElias Mudzuri - Warren Park, Amai Theresa Makone - Harare north, ukuwo Amai Lucia Matibenga vachimirira Kuwadzana West.

Bato iri riri kutarisirwa kumirirwa nenhengo mazana maviri negumi musarudzo dzedare repasi kwotiwo nhengo makumi matanhatu mudare repamusoro.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaGabriel Chaibva, vati bato ravo richazivisa vacharimirira mushure mekunge vabudirira kunyoresa kuNominations Court neChishanu.

Asi VaChamisa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havatarisiri matambudziko akambosangana nebato ravo musarudzo dzapfuura, apo vamwe vevaida kukwikwidza vaipambwa vari munzira kunonyoresa mazita avo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG