Accessibility links

Breaking News

ZPP Inoti Mhirizhonga Ichanyanya Munguva Yesarudzo


Sangano reZimbabwe Peace Project raburitsa gwaro rinoti mhirizhonga ichanyanya munguva dzesarudzo dzegore rino.

Gwaro iri rinoti nzvimbo dzakaita seManicaland, Masvingo neMidlands, ndidzo dzichaita mhirizhonga yakanyanya. Mutungamiri weZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti kuManicaland kuchaita mhirizhonga yakanyanya kudarika yaiitwa musarudzo dzapfuura.

ZPP inotiwo vezve matongerwo enyika vari kushandisa nyaya yechikafu, senzira yekukwezva vavhoti.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro na Muzvare Mukoko kuti tinzwe zvizhinji zviri mugwaro ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG