Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Havasi Kutirimutswa naVaMakoni


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kutya kuti VaSimba Makoni avo vari kuda kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vanga vatorere mavhoti.

VaTsvangirai vatiwo mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vanofanira kuudza VaMugabe kuti vave kupinda nemwenje mudziva nematongero avo ehudzvanyiriri.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekunze muSouth Africa, VaAziz Pahad, varamba mashoko ekuti VaMbeki vakundikana muZimbabwe. Vati nhaurirano dzeMDC ne Zanu-PF, dzakafamba zvakanaka nekuti vanhu vose vari kugadzirira sarudzo idzi.

Apo vakasvika muJohannesburg neChipiri, VaTsvangirai vakaita rombo rakaipa sezvo vakatorerwa nechisimba mabhegi avo, pamwe nema lap top nembavha dzainge dzakapakatira pfuti.

Hapana akakuvadzwa muchiitiko ichi.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMakoni vakadziya moto wembavha nekudaro havana kusiyana nevamwe vavo vari muZanu-PF.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG