Accessibility links

Breaking News

Voter's Roll Yovharwa neChitatu


Sangano re ZESN rinoti musi weChitatu ndiro zuva rekupedzesira kuti vanhu vaongorore voters roll, kana kunyoresa kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzemuna Kurume.

Vamwe vari kuongorora nyaya yesarudzo vanotiwo zvimwe zviri kunetsa ndezvekuti vanhu vazhinji havasi kukwanisa kuongorora Delimitation Report, kana kuti gwaro rine miganhu yematunhu achiitirwa sarudzo.

Vanoona nezvesarudzo muMDC dzinotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, pamwe neMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, vose vanoti kunyange hazvo ivo vakazowana magwaro ekutarwa kwemiganhu, veruzhinji havasi kukwanisa kuona magwaro aya.

Va Dennis Murira veMDC inotungamirwa naVaTsvangirai naVa Paul Temba Nyathi ve MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, vati zvakare vanga vasiri kuziva kuti hurongwa hwe voter’s registration pamwe nekutariswa kwemazita, huri kupera neChitatu.

Vanga vakatarisira kuti huchapera neChina.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro nasachigaro veZESN, VaNoel Kututwa, nezvehurongwa uhwu.

Zvichakadaro, vanga vari ZESN Election Observation and Monitoring Officer, VaDenford Beremauro, avo vakashaya mutsaona yemotokari musi weChishanu, varadzikwa nhasi kumusha kwavo ku Hurungwe. Va Beremauro, avo vanga vava nemakore makumi matatu nemasere ekuberekwa, vakashaya pamwe chete nemuni’ina wavo neimwe hama yavo mutsaona iyi.

Muchakabvu vasiya mudzimai nevana vaviri. VeZESN, pamwe nevesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwaVa Beremauro, sezvo vanga vaine ruzivo rwakanyanya panyaya dzekuongorora maitirwo esarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG