Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Havazivi Zviri Kuitika Pahurongwa Hwekunyoresa Mazita

Zvichitevera kuwedzerwa kwemazuva ekuti vanhu vanyorese sevavhoti kana kuongorora voters roll, masangano akazvimirira oga anoti vanhu havasi kunyatsoziva zvakakwana kuti mazuva ekupedzesera kuita izvi ndeapi.

NeMuvhuro Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, yakaudza bepanhau reHerald kuti chirongwa ichi chava kupera musi weChitatu svondo rino. Asi sangano re ZESN, pamwe nemamwe masangano akazvimirira oga, kusanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition, neve MDC, vanoti chirongwa ichi chinofanirwa kupera musi weChina.

Vari kuda kukwikwidza musarudzo idzi vakatarisirwa kunyoresa musi weChishanu kubva na 10 dzemangwanani, kusvikira na 4 dzemasikati.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaRashid Mahiya, Networking Officer musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, kuti tinzwe zviri kuitika panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG