Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vosungwa, Vamwe Vosiiwa Vachiita Mhirizhonga muAnglican Church


Madzimai manomwe eAnglican Church anotsigira Bishop Sebastian Bakare abvisiswa faindi inoita mamiriyoni makumi maviri emadhora pamunhu nedare re Mbare Magistrates Court.

Vanhu ava vanga vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga, uye kuputsa midziyo ya Reverend Martin Zifoti, avo vanonzi vanotsigira Bishop Nolbert Kunonga. Mhirizhonga iyi yakaitika neChina. Mhirizhonga inonzi yakaitikazve neSvondo, apo vatsigiri vaBishop Kunonga vakakiya madhowo epa St Mary’s Cathedral muHarare, kuitira kuti vanotsigira Bishop Bakare, vatadze kupinda muchechi iyi.

Izvi zvakapa kuti vatsigiri vaBishop Bakare vatsamwe nezvakange zvaitwa nevatsigiri VaBishop Kunonga.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raBishop Kunonga. Reverend Christopher Tapera ndivo mutauriri waBishop Bakare.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naReverend Tapera kuti tinzwe mafambiro akaita zvinhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG