Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veMDC Voramba Kumbunyikidzwa Pakasarudza Vamiriri Vavo


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti nhengo dzaro dzestanding committee dzasangana neChina kuti dziongorore zvichemo zviri kubva mumatunhu, izvo zvakanangana nenyaya yevanhu vachamirira bato munguva yesarudzo.

Vatsigiri vebato iri mumatunhu akaita seBindura, Mashonaland East, Harare neManicaland, vari kuramba nhengo dziri kunzi dzimirire bato musarudzo, vachiti havana kudzisarudza.

MuHarare vatsigiri veMDC vanobva mumisha yeMbare, Budiriro neSunningdale, vanonzi vari kuratidzira pamahofisi ebato iri, kubva neChitatu vachida kuti munzvimbo dzavo muiitwe sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzemuna Kurume.

Mashoko atiri kutambira anoti hutungamiri hweMDC huri kuti Mai Theresa Makone vasakwikwidzwe naMai Faith Musarurwa, sezvo Mai Makone vari munhu akabata chigaro chemutungamiri we Women's Assembly. Asi vamwe vari kuti Mai Makone havasati vagadzwa zviri pamutemo sasachigaro, nokudaro vanofanirwa kukwikwidzwa.

Izvi zvinonzi zvakatarisanawo nedzimwe nhengo dzeparamende, idzo dzakanzi nebato iri hadzisi kukwikwidzwa sezvo dzisina kupedza temu yadzo mudare reparamende.

National Elections Director webato iri, VaDennis Murira, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanoda kuti vamiriri veparamende ava vapedze basa ravakatanga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG