Accessibility links

Breaking News

ZEC Inotara Mari Dzichabhadharwa Nevanhu Vari Kupinda Musarudzo


Zimbabwe Electoral Commission, inonzi yazivisa mari dzichabhadharwa nevachada kukwikwidza musarudzo dzegore rino. Mashoko atawana anoti vachada kukwikwidza musarudzo dzevatungamiri venyika, vachabhadhara bhiriyoni rimwe remadhora, ukuwo vachada kukwikwidza sevamiriri veparamende, vachabhadhara $100 million.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti vachakwikwidza musarudzo dzeseneti nemakanzura vachabvisa mari yakawanda zvakadii. Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaGabriel Chaibva, vaudza Studio 7 kuti bato ravo harisati ranzwa nezve mari dzichabhadharwa nevanhu idzi, vakati pari zvino vari kushanda vakatarisana nemari dzakabhadharwa musarudzo dza2005.

Munyori wezvesarudzo muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaIan Makone, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kushushikana nekunonoka kuudzwa nezvemari dzichabhadharwa nevachakwikwidza musarudzo dzemakanzura, vakati vazhinji vevanhu ava havana mari saka vanenge vachida nguva yekutsvaga mari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG