Accessibility links

Breaking News

Professor Makumbe Votaura Nezvekutadza Kubatana kweMDC Musarudzo


Zvikwata zviviri zveMDC zviri mubishi rekutsvaga nhengo dzichamirira zvikwata izvi musarudzo dzemakanzura, paramende pamwe nedare reseneti zvisina kubatana.

Izvi zvinotevera kutadza kuwirirana kwemapoka maviri eMDC kuti apinde musarudzo ari bato rimwe. Vatungamiri vezvikwata izvi, VaMorgan Tsvangirai naVaArthur Mutambara, ndivo vachikwidzidza pasarudzo dzemutungamiriri wenyika vakamirira zvikwata zvavo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti kunyange hazvo zvichirwadza ruzhinji rweZimbabwe kuti mapoka eMDC atadza kubatana pakurwisana naVaMugabe, neimwe nzira chinhu chakanaka, sezvo zvichiita kuti MDC chaiyo ionekwe musarudzo idzi.

Professor Makumbe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti kubatana kwemapoka maviri aya kwaizoita kuti rimwe boka rinenge risina rutsigirwo rwakanyanya, riberekwe nerimwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG