Accessibility links

Breaking News

Ambassador McGee Vonyunyuta Nemabatirwo Avari Kuitwa neHurumende


Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassadaor James McGee, vanoti vari kuedza napose pavanogona kuita basa ravo asi, hurumende haisati yavapa mukana wekuti vataurirane nayo maererano nemamiriro akaita zvinhu munyika pamwe nehukama huripo pakati peAmerica neZimbabwe.

Muhurukuro yavaita ne Studio 7, Ambassador McGee vati kubva pavakatanga basa muna Mbudzi, munhu wavakangoshanda naye chete, igurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa. Ambassador McGee vanoti havasati vaziva chikonzero chiri kuita kuti vamwe vari muhurumende vasavape mukana wekuti vasangane navo.

Ambassador McGee ndivo vakatsiva Ambassador Christopher Dell, avo vaigara vakatosvorana nehurumende yaVaMugabe.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, anotiudza zvizere nezvenyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG