Accessibility links

Breaking News

NCA Yorwadzikana Nezviri Kuitwa Vanhu neMapurisa neMauto


Sangano reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti riri kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu nemapurisa pamwe nemauto.

Mugwaro raraburitsa, sangano iri rinoti mapurisa ari kurova pamwe nekushungurudza vanhu vavanenge vachida kusunga, vangave vezvematongerwo enyika, kana vanhuwo zvavo vanotengesa zvinhu mumaguta.

Sangano iri rinoti izvi zviri kunze kwemashandiro anofanirwa kunge achiitwa nemapurisa pamwe nemauto. NCA inoti iri kukurudzira veruzhinji kuti varambe kushungurudzwa nemapurisa nenzira dzose dzavanogona nadzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapurisa, pamwe nemauto, kuti seyi vari kushungurudza vanhu ava.

Asi mutauriri weNCA, VaMaddock Chivasa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti izvi zvinosiya vanhu vava nepfungwa yekuti zvimwe vari muchipurisa ava havasi mapurisa asi kuti vakabva kumakamba eBorder Gezi, uko kunodzidziswa vechidiki nezvekuda nyika yavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG